에베소서 1장 쇼나
- 1 Pauro, muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, kuvatsvene vari muEfeso, nekune vakatendeka muna Kristu Jesu:
- 2 Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu uye Ishe Jesu Kristu.
- 3 Ngaarumbidzwe Mwari uye Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, wakatiropafadza neropafadzo yese yemweya pazvinhu zvekudenga muna Kristu;
- 4 sezvaakatisarudza maari pasati pava nekuvambwa kwenyika, kuti tive vatsvene, uye vasingamhuriki pamberi pake murudo,
- 5 agara atitemera mukuitwa vana kwaari kubudikidza naJesu Kristu, sekuda kwakanaka kwechido chake,
- 6 kuve rumbidzo yekubwinya yenyasha dzake, madziri wakatiropafadza muMudikanwi;
- 7 watine dzikunuro maari neropa rake, iyo kanganwiro yekudarika, zvichienderana nefuma yenyasha dzake,
- 8 dzaakawanza kwatiri mukuchenjera kwese neungwaru,
- 9 azivisa kwatiri chakavanzika chechido chake, sekushuva kwakanaka kwake kwaakaronga pachake;
- 10 kuti pakubata kwekuzara kwenguva, aunganidze pamwe zvinhu zvese muna Kristu, zvese zviri kumatenga nezviri panyika;
- 11 imo maari, muna iye matakawanawo nhaka, yatakagara tatemerwa zvichienderana nechiga chaiye anoita zvinhu zvese zvichienderana nezano rechido chake,
- 12 kuti tive rumbidzo yekubwinya kwake, isu takatanga kuvimba kuna Kristu;
- 13 nemwi muna iye, manzwa shoko rechokwadi, evhangeri yeruponeso rwenyu; kuna iyewo matenda kwaari makapiwa mucherechedzo neMweya Mutsvene wechivimbiso,
- 14 ari rubatso rwenhaka yedu, rwuve rudzikunuro rwezvakawanikwa, kurumbidzo yekubwinya kwake.
- 15 Naizvozvo iniwo ndakati ndanzwa zverutendo rwenyu muna Ishe Jesu nerudo kuvatsvene vese,
- 16 handiregi kukuvongerai, ndichikurangarirai paminyengetero yangu;
- 17 kuti Mwari waIshe wedu Jesu Kristu, Baba vekubwinya, akupei mweya wekuchenjera newechakazarurwa paruzivo pamusoro pake;
- 18 meso efungwa dzenyu avhenekerwa kuti muzive kuti tariro yekudana kwake chii, uye fuma yekubwinya kwenhaka yake pavatsvene chii,
- 19 uye kuti ukuru hwakapfuvurisa hwesimba rake kwatiri isu tinotenda chii, maererano nekubata kweusamasimba hwesimba rake,
- 20 raakashandisa muna Kristu, achimumutsa kubva kuvakafa, nokumugarisa kuruoko rwake rwerudyi panzvimbo dzekudenga,
- 21 kumusoro-soro kweutongi hwese, nesimba, neukuru, neushe, nezita rega-rega rinodanwa, kwete kwenguva ino chete, asi kune inouyawo;
- 22 akaisawo zvese pasi petsoka dzake, akamupa kuva musoro pamusoro pezvese kukereke,
- 23 ndiwo muviri wake, kuzara kwaiye anozadzisa zvese mune zvese.