에베소서 2장 쇼나
- 1 Wakakuraramisai, imwiwo makange makafa mukudarika nemuzvivi,
- 2 izvo zvamaifamba mazviri kare maererano nenzira yenyika ino, maererano nenzira dzemutungamiriri wesimba redenga, dzemweya unobata zvino muvana vekusateerera;
- 3 vataifamba tesewo pakati pavo kare mukuchiva kwenyama yedu, tichiita kuda kwenyama nekwefungwa, uye pachisikirwo taiva vana vekutsamwirwa, sevamwewo.
- 4 Asi Mwari, wakafuma panyasha, nekuda kwerudo rwake rukuru rwaakatida narwo,
- 5 kunyange takange takafa mukudarika, wakatiraramisa pamwe naKristu (makaponeswa nenyasha);
- 6 akatimutsa pamwe naye, akatigarisa pamwe naye kunzvimbo dzekudenga muna Kristu Jesu;
- 7 kuti nenguva dzinouya aratidze fuma hurusa yenyasha dzake muunyoro kwatiri muna Kristu Jesu.
- 8 Nokuti nenyasha makaponeswa nerutendo, uye izvi hazvibvi kwamuri; chipo chaMwari;
- 9 hazvibvi pamabasa, kuti kusava neanozvikudza.
- 10 Nokuti tiri basa rake, takasikirwa mabasa akanaka muna Kristu Jesu, Mwari aakagara agadzira, kuti tifambe maari.
- 11 Naizvozvo rangarirai kuti imwi maimbova vahedheni munyama, vanonzi kusadzingiswa nechinonzi kudzingiswa munyama kunoitwa nemaoko,
- 12 kuti panguva iyo makange musina Kristu, muri vatorwa paubwo hwaIsraeri, uye vatorwa pasungano dzechivimbiso, musina tariro, uye musina Mwari panyika.
- 13 Asi ikozvinowo muna Kristu Jesu, imwi maimbova kure, mava pedo neropa raKristu.
- 14 Nokuti ndiye rugare rwedu, iye wakaita zviviri zvive chimwe, uye wakaputsa mudhuri wapakati wekuparadzanisa,
- 15 aparadza munyama yake ruvengo, iwo mutemo wemirairo pazviga, kuti asike maari vaviri vave munhu umwe mutsva, aite rugare,
- 16 uye ayananise vaviri kuna Mwari mumuviri umwe kubudikidza nemuchinjikwa, auraya ruvengo nawo,
- 17 uye wakasvika akaparidza rugare kwamuri imwi maiva kure, nekune avo vaiva pedo;
- 18 nokuti kubudikidza naye tese tine mapindiro neMweya umwe kuna Baba.
- 19 Naizvozvo zvino hamusisiri vaeni uye vatorwa, asi vebwo pamwe nevatsvene uye veimba yaMwari.
- 20 Makavakwa pamusoro penheyo dzevaapositori nevaporofita, Jesu Kristu amene ari ibwe repakona.
- 21 Maari imba yese yakabatanidzwa ikure ive tembere tsvene muna Ishe.
- 22 Maari nemwiwo makavakwa pamwe muve ugaro hwaMwari muMweya.