빌립보서 2장 쇼나
- 1 Naizvozvo kana kune imwe kurudziro kuna Kristu, kana imwe nyaradzo yerudo, kana kumwe kudyidzana kweMweya, kana mune umwe moyo munyoro nemukunzwira tsitsi,
- 2 zadzisai mufaro wangu, kuti muve nefungwa imwe, muve nerudo rumwe, nemweya umwe, nendangariro imwe;
- 3 musingaiti chinhu nenharo kana nekuzvikudza kusina maturo, asi mukuzvininipisa kwemoyo umwe neumwe achikudza vamwe kukupfuurai pakunaka;
- 4 umwe neumwe ngaarege kutarira zvake, asi umwe neumwe zvinhu zvevamwewo.
- 5 Nokuti fungwa iyi ngaive mamuri, yakange iri muna Kristu Jesuwo;
- 6 iye ari muchimiro chaMwari, haana kurangarira kuti kuenzana naMwari kupamba;
- 7 asi wakazviita asina maturo, akatora chimiro chemuranda, akava mumufananidzo wevanhu;
- 8 akati awanikwa muchimiro chemunhu, akazvininipisa, akava wakateerera kusvikira parufu, irwo rufu rwemuchinjikwa.
- 9 Naizvozvo Mwariwo wakamukudza zvikuru, akamupa zita rinopfuura zita rimwe nerimwe;
- 10 kuti muzita raJesu ibvi rese rifugame, revekudenga nevepanyika, nevepasi penyika,
- 11 uye rurimi rwega-rwega rwupupure kuti Jesu Kristu ndiye Ishe, kuve rumbidzo yaMwari Baba.
- 12 Naizvozvo, vadikanwi vangu, sezvamakateerera nguva dzese, kwete sepakuvapo kwangu chete, asi ikozvino kunyanyisa pakusavapo kwangu, shandai ruponeso rwenyu pachenyu nekutya nekudedera;
- 13 nokuti ndiMwari anoshanda mamuri, zvese kuda nekuita nekuda kwechido chake chakanaka.
- 14 Itai zvinhu zvese musinganyunyuti nekupikisana;
- 15 kuti muve vakachena uye vasina chavangapomerwa, vana vaMwari vasina gwapa pakati perudzi rwakakombama nekutsauka, vamunopenya pakati pavo sezviedza munyika,
- 16 muchitaridza shoko reupenyu, pakuzvikudza kwangu nezuva raKristu, kuti handina kumhanya pasina, kana kushanda pasina.
- 17 Asi kana neni ndikadururwa sechibairo chinodururwa pamusoro pechibairo nebasa rerutendo rwenyu, ndinofara uye ndinofara nemwi mese.
- 18 Nekuda kweizvozvi imwiwo mufare uye mufare pamwe neni.
- 19 Asi ndinovimba muna Ishe Jesu kutumira Timotio kwamuri nekukurumidza, kuti iniwo ndifare pandinoziva zviri maererano nemwi.
- 20 Nokuti handina munhu ane fungwa yakadaro, achava nehanya zvirokwazvo nezvenyu.
- 21 Nokuti vese vanozvitsvakira zvavo, kwete zvinhu zviri zvaKristu Jesu.
- 22 Asi munoziva kutendeka kwake, kuti semwana kuna baba wakashanda pamwe neni paevhangeri.
- 23 Zvino ndiye wandinotarisira kutumira kwamuri pakarepo, kana ndaona zvakanangana neni;
- 24 asi ndinovimba muna Ishe kuti iniwo ndomene ndichakurumidza kuuya.
- 25 Asi ndakaona zvakafanira kutuma kwamuri Epafrodito, hama, nemushandi pamwe neni neuto pamwe neni, asi nhume yenyu nemushumiri wekushaiwa kwangu;
- 26 sezvo akange achikushuvai mese, uye akatambudzika, nokuti makange manzwa kuti wakange achirwara.
- 27 Nokuti zvirokwazvo wakange achirwara ari pedo nekufa; asi Mwari wakamunzwira tsitsi; kwete iye ega, asi neni, kuti ndirege kuva neshungu pamusoro peshungu.
- 28 Naizvozvo ndakashingaira zvikuru kumutuma, kuti kana momuonazve mufare, neni shungu dzangu dziderere zvikuru.
- 29 Naizvozvo mugamuchirei muna Ishe nemufaro wese, uye mubate vakadai neruremekedzo;
- 30 nokuti nekuda kwebasa raKristu wakaswedera pakufa, asingarangariri upenyu hwake, kuti akwanise kushaiwa kundishumira kwenyu.