빌립보서 4장 쇼나
- 1 Naizvozvo, hama dzangu vadikanwi vanoshuviwa, mufaro wangu nekorona, saizvozvo mirai nesimba muna Ishe, vadikanwi.
- 2 Ndinokumbirisa Yuodhia, uye ndinokumbirisa Sindike, kuti vave nemurangariro umwe muna Ishe.
- 3 Uye ndinonyengerera iwewo, umwe wangu wechokwadi pabasa, batsira vanhukadzi vaya, vakabatirana neni paevhangeri, pamwe naKiremendi, nevamwe vakabata neni, mazita avo ari mubhuku reupenyu.
- 4 Farai muna Ishe nguva dzese; ndinotizve: Farai.
- 5 Unyoro hwenyu ngahuzikanwe kuvanhu vese. Ishe ari pedo.
- 6 Musafunganya pamusoro pechinhu, asi pazvinhu zvese, nemunyengetero nemukumbiro nekuvonga, zvichemo zvenyu ngazvizikanwe kuna Mwari,
- 7 zvino rugare rwaMwari rwunopfuura kunzwisisa kwese, rwuchachengeta moyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.
- 8 Pakupedzisira, hama, chese chechokwadi, chese chinokudzwa, chese chakarurama, chese chakachena, chese chinodikanwa, chese chinorumbidzwa, kana kunaka kupi nekupi, uye kana chingarumbidzwa chipi nechipi, fungai zvinhu izvi;
- 9 nezvamakadzidza nekugamuchira nekunzwa nekuona mandiri, itai izvozvo; naMwari werugare achava nemwi.
- 10 Asi ndakafara zvikuru muna Ishe, kuti ikozvino makatomutsiridzazve kundirangarira; kwamaindirangarirawo nako, asi makashaiwa mukana.
- 11 Kwete kuti ndinotaura izvi nekuda kwekushaiwa, nokuti ini ndadzidza kugutsikana nezvinhu zvandiri.
- 12 Ndinoziva zvese kuzvidzwa, uye ndinoziva kuva nezvakawandisa; papi nepapi nepazvinhu zvese ndakadzidziswa zvese kuguta nekunzwa nzara, zvese kuva nezvizhinjisa nekushaiwa.
- 13 Ndinogona kuita zvinhu zvese kubudikidza naKristu anondisimbisa.
- 14 Kunyange zvakadaro makaita zvakanaka zvamakabatana neni pakutambudzika kwangu.
- 15 Zvino munozivawo imwi VaFiripi, kuti pakutanga kweevhangeri, pandakabva kuMakedhonia, hapana kereke yakadyidzana neni pashoko rekupa nekugamuchira, asi imwi mega;
- 16 nokuti kunyange paTesaronika makatumira kamwe nekupamha pakushaiwa kwangu.
- 17 Kwete kuti ndinotsvaka chipo, asi ndinotsvaka chibereko chinowedzera kuchikwama chenyu.
- 18 Zvino ndagamuchira zvese uye ndawanzirwa; ndaguta, ndagamuchira kuna Epafrodito zvinhu zvinobva kwamuri, hwema hwezvinonhuhwira, chibairo chinogamuchirwa, chinofadza Mwari.
- 19 Asi Mwari wangu achazadzisa kushaiwa kwenyu kwese zvichienderana nefuma yake mukubwinya, muna Kristu Jesu.
- 20 Zvino kuna Mwari naBaba vedu, ngakuve nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni.
- 21 Kwazisai mutsvene umwe neumwe muna Kristu Jesu. Hama dzineni dzinokukwazisai.
- 22 Vatsvene vese vanokukwazisai, zvikuruwo avo veimba yaKesari.
- 23 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mese. Amen.