데살로니가전서 5장 쇼나
- 1 Asi maererano nenguva nemwaka, hama, hamufaniri kuti munyorerwe,
- 2 nokuti imwi mumene munoziva kwazvo kuti sembavha usiku, saizvozvo zuva raIshe rinosvika;
- 3 nokuti pavanoti: Rugare nekugarika, pakarepo kuparadzwa kunovawira, sekurwadzwa nemimba kwemukadzi ane mimba; uye havangatongopukunyuki.
- 4 Asi imwi, hama, hamusi murima, kuti zuva iro rikubatei sembavha.
- 5 Imwi mese muri vana vechiedza nevana vemasikati; hatisi veusiku kana verima;
- 6 naizvozvo zvino ngatirege kurara sevamwewo, asi ngatirinde, tipengenuke.
- 7 Nokuti vanorara vanorara usiku; nevanoraradza vanoraradza usiku.
- 8 Asi isu tiri vemasikati, ngatipengenuke, tichipfeka chidzitiro chechifuva cherutendo nerudo; netariro yeruponeso ive ngowani.
- 9 Nokuti Mwari haana kutitemera hasha, asi kuwana ruponeso naIshe wedu Jesu Kristu,
- 10 wakatifira, kuti kana tikarinda kana kurara, tirarame pamwe naye.
- 11 Saka kurudziranai, muvakane, sezvamunoitawo.
- 12 Asi tinokukumbirai, hama, kuziva vanoshanda zvine simba pakati penyu, nevanokutungamirirai muna Ishe, nekukurairai,
- 13 uye muvakudze zvikurusa murudo, nekuda kwebasa ravo. Ivai nerugare pakati penyu.
- 14 Asi tinokukurudzirai, hama, yambirai vasina murairo, munyaradze vanopera moyo, tsigirai vasina simba, muve nemoyo murefu kune vese.
- 15 Chenjerai kuti umwe arege kutsiva umwe zvakaipa nezvakaipa; asi nguva dzese teverai zvakanaka, zvese pakati penyu nekune vese.
- 16 Farai nekusingaperi;
- 17 nyengeterai musingamiri;
- 18 vongai pazvinhu zvese; nokuti ichi ndicho chido chaMwari muna Kristu Jesu maererano nemwi.
- 19 Musadzima Mweya;
- 20 musazvidza zviporofita;
- 21 idzai zvinhu zvese; mubatisise zvakanaka;
- 22 ibvai pakuonekwa kwese kwekuipa.
- 23 NaMwari werugare amene ngaakuitei vatsvene zvakazara; nemweya wenyu wese, nemoyo, nemuviri, zvichengetwe zvisina zvazvingapomerwa pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu.
- 24 Wakatendeka iye anokudanai, achazviitawo.
- 25 Hama, tinyengetererei.
- 26 Kwazisai hama dzese nekutsvoda kutsvene.
- 27 Ndinokupikirai naIshe, kuti tsamba iyi iverengerwe hama tsvene dzese.
- 28 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi. Ameni.