디모데전서 2장 쇼나
- 1 Naizvozvo kutanga pazvese ndinokurudzira kuti mikumbiro, minyengetero, kureverera nekupa kuvonga zviitirwe vanhu vese;
- 2 pamadzimambo nevese vari panzvimbo dzakakwirira kuti tirarame upenyu hwerugare nerunyararo pakunamata Mwari kwese nerukudzo;
- 3 nokuti izvi zvakanaka uye zvinogamuchirwa pamberi paMwari Muponesi wedu,
- 4 uyo anoda kuti vanhu vese vaponeswe uye vasvike pakuziva chokwadi.
- 5 Nokuti kuna Mwari umwe, nemurevereri umwe pakati paMwari nevanhu, ndiye munhu Kristu Jesu,
- 6 wakazvipa iye kuva rudzikunuro rwevese, chive chapupu panguva dzakafanira,
- 7 icho chandagadzirwa ini kuva muparidzi nemuapositori (ndinoreva chokwadi muna Kristu, handitauri nhema), mudzidzisi wevahedheni parutendo nechokwadi.
- 8 Naizvozvo ndinoshuva kuti varume vanyengetere panzvimbo dzese, vachisimudza maoko matsvene, pasina kutsamwa nekupikisana.
- 9 Saizvozvowo vakadzi vazvishongedze nezvipfeko zvakafanira, vane kunyara nekuzvidzora, kwete nevhudzi rakarukwa, kana goridhe, kana maparera*, kana nguvo dzinodhura,
- 10 asi, zvakafanira vakadzi vanoti vanoshumira Mwari, nemabasa akanaka.
- 11 Mukadzi ngaadzidze mukunyarara nekuzvininipisa kwese.
- 12 Asi handitenderi mukadzi kuti adzidzise, kana kuti ave nesimba pamusoro pemurume, asi ave mukunyarara.
- 13 Nokuti Adhamu wakatanga kuumbwa, tevere Evha;
- 14 naAdhamu haana kunyengerwa, asi mukadzi anyengerwa wakava mukudarika,
- 15 asi achaponeswa kubudikidza nekubereka vana, kana vachirambira murutendo nerudo neutsvene pamwe nekuzvidzora.