히브리서 11장 쇼나
- 1 Zvino rutendo ndirwo rusimbiso rwezvinotarisirwa, umbowo hwezvinhu zvisingaonekwi.
- 2 Nokuti nairwo vanhu vekare vakapupurirwa.
- 3 Nerutendo tinonzwisisa kuti nyika dzakarongwa neshoko raMwari, zvekuti zvinhu zvinoonekwa hazvibvi kuzvinhu zvinoonekwa.
- 4 Nerutendo Abheri wakabaira kuna Mwari chibairo chakanakisisa kupfuura Kaini; chaakawana nacho uchapupu kuti wakange akarurama, Mwari achipupurira zvipo zvake; naicho kunyange akafa achiri kutaura.
- 5 Nerutendo Enoki wakabviswa kuti arege kuona rufu, uye haana kuwanikwa, nokuti Mwari wakange amubvisa; nokuti asati abviswa wakapupurirwa kuti wakange afadza Mwari;
- 6 asi kunze kwerutendo hazvigoni kumufadza; nokuti anouya kuna Mwari anofanira kutenda kuti iye aripo, uye mupi wemubairo wevanomutsvaka.
- 7 Nerutendo Nowa wakati ayambirwa naMwari pamusoro pezvinhu zvichigere kuonekwa, nekutya akagadzira areka yeruponeso rweimba yake; akapa nyika mhosva nayo, akava mudyi wenhaka wekururama zvichienderana nerutendo.
- 8 Nerutendo Abhurahama wakateerera adanwa kuti abude aende kunzvimbo yaakanzi achazoigamuchira ive nhaka, ndokubuda, asingazivi kwaanoenda.
- 9 Nerutendo wakagara semutorwa munyika yechivimbiso, senyika yeutorwa, achigara mumatende pamwe naIsaka naJakobho, vadyi venhaka yechivimbiso chimwecho pamwe naye;
- 10 nokuti wakange achitarisira guta rine nheyo, Mwari ari mhizha nemuvaki waro.
- 11 Nerutendo naSara pachake wakagamuchira simba rekugamuchira mbeu, akabereka apfuura nguva, nokuti wakati iye wavimbisa wakatendeka.
- 12 Naizvozvowo vakaberekwa neumwe, izviwo ndezvewakafa, vakaita senyeredzi dzekudenga pakuwanda, uye sejecha riri pamahombekombe egungwa risingaverengeki.
- 13 Iva vese vakafira murutendo, vasina kugamuchira zvivimbiso, asi vakazvionera kure, vakatendeswa, vakazvigamuchira, vakabvuma kuti vaeni nevapfuuri panyika.
- 14 Nokuti vanotaura zvinhu zvakadaro, vanoratidza kuti vanotsvaka nyika yekwavo.
- 15 Nokuti kana zvirokwazvo vaifunga zvenyika iyo yavakabva kwairi, vangadai vakawana mukana wekudzokera.
- 16 Asi ikozvino vanoshuva iri nani, ndiyo yekudenga; naizvozvo Mwari haana nyadzi pamusoro pavo, kuti aidzwe Mwari wavo; nokuti wakavagadzirira guta.
- 17 Nerutendo Abhurahama paakaedzwa wakabaira Isaka, iyewo wakange agamuchira zvivimbiso akabaira mwana wake wakaberekwa umwe wega,
- 18 kwakanzi kwaari: Muna Isaka mbeu yako ichatumidzwa;
- 19 wakaona kuti Mwari anogona kumutsa kunyange kubva kuvakafa; ndipapowo paakamugamuchira mumufananidzo.
- 20 Nerutendo Isaka wakaropafadza Jakobho naEsau pamusoro pezvinhu zvinouya.
- 21 Nerutendo Jakobho ava kufa wakaropafadza umwe neumwe wevanakomana vaJosefa, akanamata akasendama pamusoro pemudonzvo wake.
- 22 Nerutendo Josefa ava kufa wakataura zvekubuda kwevana vaIsraeri, akaraira pamusoro pemafupa ake.
- 23 Nerutendo Mozisi aberekwa wakavanzwa mwedzi mitatu nevabereki vake, nokuti vakaona mwana akanaka; uye havana kutya murairo wamambo.
- 24 Nerutendo Mozisi akura wakaramba kunzi mwanakomana wemukunda waFarao,
- 25 akasarudza kupfuura izvozvo kuitirwa zvakaipa pamwe nevanhu vaMwari pane kuva mumufaro wechivi kwechinguva;
- 26 akati kutukwa kwaKristu ifuma huru pane zvakakosha zveEgipita; nokuti wakange akatarira kumubairo.
- 27 Nerutendo wakasiya Egipita, asingatyi kutsamwa kwamambo; nokuti wakatsungirira seanomuona uyo asingaonekwi.
- 28 Nerutendo wakachengetedza pasika nekusaswa kweropa, kuti anouraya matangwe arege kuvabata.
- 29 Nerutendo vakagura nemuGungwa Dzvuku sepakaoma; VaEgipita vachizviidza vakanyura.
- 30 Nerutendo masvingo eJeriko akawa, apoteredzwa kusvikira mazuva manomwe.
- 31 Nerutendo Rakabhi chifeve haana kuparara pamwe nevasina kutenda, agamuchira vashori nerugare.
- 32 Zvino ndichataurireizve? Nokuti ndichapererwa nenguva ndichirondedzera zvaGidhioni naBharaki naSamusoni naJefita naDhavhidhi naSamueri, nezvevaporofita;
- 33 avo nerutendo vakakunda ushe, vakaita kururama, vakawana zvivimbiso, vakadzivira miromo yeshumba,
- 34 vakadzima simba remoto, vakapukunyuka muromo wemunondo, vakava nesimba kubva pautera, vakasimba pakurwa, vakadzinga hondo dzemamwe marudzi.
- 35 Vakadzi vakagamuchira vakafa vavo vachibva pakumuka; vamwewo vakashungurudzwa, vasingagamuchiri kusunungurwa, kuti vawane kumuka kuri nani;
- 36 vamwewo vakaedzwa nekuitwa chiseko nekuzvamburwa, uye nezvisungo nejere;
- 37 vakatakwa nemabwe, vakatsemurwa nepakati, vakaedzwa, vakafa pakuuraya kwemunondo; vakadzungaira vakapfeka matehwe emakwai nematehwe embudzi; vari nhoronhondo, vachitambudzika, vachishungurudzwa,
- 38 (nyika haina kuvafanira) vachidzungaira mumagwenga nemakomo nemapako nemakomba enyika.
- 39 Neava vese, vapupurirwa zvakanaka kubudikidza nerutendo havana kugamuchira chivimbiso,
- 40 sezvo Mwari wakange atigadzirira chinhu chiri nani, kuti varege kupedzeredzwa pasina isu.