히브리서 4장 쇼나
- 1 Naizvozvo ngatitye zvimwe chivimbiso chekupinda muzororo rake chichiripo umwe wenyu aonekwe achitaira kuchisvikira.
- 2 Nokuti nesuwo takaparidzirwa evhangeri, sekwavariwo; asi shoko ravakanzwa harina kuvabatsira, sezvo risina kuvhenganiswa nerutendo kune avo vakanzwa.
- 3 Nokuti isu vakatenda tinopinda pazororo, sezvaakareva achiti: Sezvo ndakapika pakutsamwa kwangu ndikati: Havangatongopindi muzororo rangu; kunyange mabasa akange apedzwa kubva pakuvambwa kwenyika.
- 4 Nokuti wakataura pane imwe nzvimbo pamusoro pezuva rechinomwe sezvizvi: Mwariwo wakazorora nezuva rechinomwe pamabasa ake ese;
- 5 nepanozve: Havangatongopindi muzororo rangu.
- 6 Naizvozvo zvazvichipo kuti vamwe vachapinda mariri, uye vakatanga kuparidzirwa evhangeri havana kupinda nekusateerera,
- 7 anogurazve rimwe zuva, achiti: Nhasi, achitaura kubudikidza naDhavhidhi, nguva huru yakadai yapfuura, sezvakwakataurwa, kuchinzi: Nhasi kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa moyo yenyu.
- 8 Nokuti dai Joshua akange avapa zororo, haazaizoreva pashure peizvi pamusoro perimwe zuva.
- 9 Naizvozvo rasarirwa vanhu vaMwari zororo resabata.
- 10 Nokuti wakapinda muzororo rake iyewo wakazorora pamabasa ake, saMwari pane ake.
- 11 Naizvozvo ngatishingairire kupinda muzororo iroro, kuti kusava neanowira mumuenzaniso iwoyo wekusateerera.
- 12 Nokuti shoko raMwari ibenyu, uye rine simba, uye rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, uye rinobaya kusvikira panoparadzana moyo nemweya, nepemafundo nemongo; uye mutongi wendangariro nezvinangwa zvemoyo.
- 13 Hakunawo chisikwa chisingaratidziki pamberi pake; asi zvinhu zvese zvakashama uye zvakazarurirwa meso aiye watinozvidavirira kwaari.
- 14 Naizvozvo zvatine mupristi mukuru kwazvo, wakapfuurira kumatenga, Jesu Mwanakomana waMwari, ngatibatisise kupupura kwedu.
- 15 Nokuti hatina mupristi mukuru asingagoni kunzwiswa tsitsi neutera hwedu, asi wakaedzwa pazvinhu zvese sesu, asina chivi.
- 16 Naizvozvo ngatiswederei nekushinga kuchigaro cheushe chenyasha, kuti tigamuchire tsitsi, tiwane nyasha, tibatsirwe panguva yakafanira.