히브리서 5장 쇼나
- 1 Nokuti mupristi mukuru umwe neumwe, wakatorwa kubva kuvanhu, anogadzirwa vanhu pazvinhu zvaMwari, kuti abaire zvese zvipo nezvibairo nekuda kwezvivi;
- 2 iye anogona kuva nemoyo munyoro pane vasingazivi nevakatsauka, sezvo naiye akakomberedzwa neutera.
- 3 Uye nekuda kwaizvozvi anofanira kubaira zvivi, sezvaanobaira zvevanhu, zvakadaro nekwaari.
- 4 Zvino hakuna munhu angazvitorera rukudzo uru, asi uyo wakadanwa naMwari, saAroniwo.
- 5 Saizvozvo Kristuwo haana kuzvikudza iye kuva mupristi mukuru, asi uyo wakati kwaari: Ndiwe Mwanakomana wangu, nhasi ndakubereka.
- 6 Sepamwewo anoti: Ndiwe mupristi nekusingaperi kubva kurudzi rwaMerikizedheki.
- 7 Iye pamazuva enyama yake, abaira minyengetero nemikumbiro nekuchema kukuru nemisodzi kuna iye waigona kumuponesa kubva parufu, uye akanzwikwa nekuda kwekutya Mwari,
- 8 kunyange aiva Mwanakomana, wakadzidza kuteerera kubva pazvinhu zvaakatambudzika,
- 9 akatiwo aitwa wakaperedzerwa, akava muvambi weruponeso rwusingaperi kune vese vanomuteerera;
- 10 anzi naMwari mupristi mukuru kubva kurudzi rwaMerikizedheki.
- 11 Watine zvizhinji zvatingataura pamusoro pake zvinoremawo kududzira, zvamakagomara pakunzwa.
- 12 Nokuti apo pamaifanira kuva vadzidzisi nekuda kwenguva, makashaiwazve kuti kuve neanokudzidzisai kuti zvimiso zvekutanga zvemashoko aMwari zvii, uye mava vanoda mukaka, uye kwete kudya kukukutu.
- 13 Nokuti ani nani anodya mukaka haana unyanzvi mushoko rekururama; nokuti mucheche.
- 14 Asi kudya kukukutu ndekwevakura zvakazara, ivo nekurovedzwa vakadzidzisa pfungwa kuparadzanisa zvese zvakanaka nezvakaipa.