야고보서 2장 쇼나
- 1 Hama dzangu, kwete nerusarura muve nerutendo rwaIshe wedu Jesu Kristu wekubwinya.
- 2 Nokuti kana muungano yenyu mukapinda murume ane mhete yegoridhe nenguvo inopenya, mukapindawo murombo ane nguvo yakasviba,
- 3 imwi ndokutarira uyo wakapfeka nguvo inopenya; ndokuti kwaari: Iwe gara pano zvakanaka; ndokuti kumurombo: Iwe mira ipapo; kana: Gara pano pasi pechitsiko chetsoka dzangu;
- 4 hamunawo kusarura mukati menyu pachenyu mukavawo vatongi vendangariro dzakaipa here?
- 5 Inzwai, hama dzangu dzinodikanwa. Mwari haana here kusarudza varombo venyika ino, vakafuma parutendo, nevadyi venhaka yeushe hwaakavimbisa kune vanomuda?
- 6 Asi imwi makazvidza murombo. Vafumi havakutsikiririi here, uye ndivo vanokukweverai kumatare?
- 7 Ivo havanyombi zita rakanaka rakadanwa pamuri here?
- 8 Kana zvirokwazvo muchizadzisa murairo weushe, zvinoenderana nerugwaro rwunoti: Ida wekwako sezvaunozvidaiwe, munoita zvakanaka;
- 9 asi kana mune rusarura, munoita chivi, munopwiswa nemurairo sevadariki.
- 10 Nokuti ani nani anochengeta murairo wese, asi akagumburwa pane umwe, anova nemhosva kune yese.
- 11 Nokuti iye wakati: Usaita upombwe; wakatiwo: Usauraya; zvino kana usingaiti upombwe, asi uchiuraya, wava mudariki wemurairo.
- 12 Taurai saizvozvo uye itai saizvozvo, sevachazotongwa nemurairo werusununguko.
- 13 Nokuti kutonga kusina tsitsi ndekweasina kuita tsitsi; uye tsitsi dzinozvirumbidza pakukutonga.
- 14 Zvinobatsirei, hama dzangu, kana munhu achiti ane rutendo, asi asina mabasa? Rutendo urwu rwunogona kumuponesa here?
- 15 Zvino kana hamarume kana hamakadzi yakashama uye achishaiwa kudya kwezuva rimwe nerimwe,
- 16 umwe wenyu ndokuti kwavari: Ibvai murugare, mudziyirwe uye mugute; asi musingavapi zvinhu zvinodikanwa nemuviri, izvo zvinobatsirei?
- 17 Saizvozvowo rutendo, kana rwusina mabasa, rwakafa pacharwo.
- 18 Asi umwe achati: Iwe une rutendo, neni ndine mabasa; ndiratidze rutendo rwako kunze kwemabasa, neni pamabasa angu ndichakuratidza rutendo rwangu.
- 19 Iwe unotenda kuti kuna Mwari umwe; unoita zvakanaka; nemadhimoni anotenda uye anodedera.
- 20 Asi unoda kuziva here, haiwa dununu, kuti rutendo rwusina mabasa rwakafa?
- 21 Abhurahama baba vedu havana kunzi vakarurama kubva pamabasa here, vabaira mwanakomana wavo Isaka pamusoro pearitari?
- 22 Unoona kuti rutendo rwakabata pamwe nemabasa ake, uye kubva pamabasa rutendo rwakaperedzerwa here?
- 23 Nerugwaro rukazadzisika rwunoti: NaAbhurahama wakatenda kuna Mwari, zvikaverengerwawo kwaari kuti ndiko kururama, akanziwo shamwari yaMwari.
- 24 Naizvozvo munoona kuti munhu anonzi wakarurama kubva pamabasa, uye kwete kubva parutendo chete.
- 25 Saizvozvowo naRakabhi chifeve haana kunzi wakarurama kubva pamabasa here, agamuchira vatumwa, nekuvabudisa neimwe nzira?
- 26 Nokuti semuviri pasina mweya wakafa, saizvozvowo rutendo rwusina mabasa rwakafa.