야고보서 5장 쇼나
- 1 Uyai ikozvino imwi vafumi, rirai muridze mhere nekuda kwematambudziko enyu anokuwirai.
- 2 Fuma yenyu yakaora, uye nguvo dzenyu dzakava dzakafusiwa.
- 3 Goridhe renyu nesirivheri zvava nengura; uye urari hwazvo huchava chapupu kwamuri, uye huchadya nyama yenyu semoto. Makazvichengetera fuma pamazuva ekupedzisira.
- 4 Tarira, mubairo wevaranda vakacheka minda yenyu, yakanyimwa nemwi nekunyengera, unodanidzira; nekuchema kwevacheki kwakasvika kunzeve dzaIshe wehondo.
- 5 Makagara muumbozha panyika, uye makakarira zvinofadza; makakodza moyo yenyu sepazuva rekubaya.
- 6 Makapa mhosva, makauraya wakarurama; haakupikisii.
- 7 Naizvozvo ivai nemoyo murefu, hama, kusvikira pakuuya kwaIshe. Tarira, murimi anomirira chibereko chinokosha chevhu, anochiitira moyo murefu, kusvikira chagamuchira mvura yekutanga neyekupedzisira.
- 8 Imwiwo ivai nemoyo murefu; simbisai moyo yenyu, nokuti kuuya kwaIshe kwaswedera.
- 9 Musanyunyutirana, hama, kuti murege kupiwa mhosva; tarira, mutongi amire pamukova.
- 10 Torai vaporofita semuenzaniso wekutambudzika, hama dzangu, newemoyo murefu, vakataura nezita raIshe.
- 11 Tarira, tinoti vakaropafadzwa vanotsungirira; makanzwa zvekutsungirira kwaJobho, uye makaona kuguma kwaIshe, kuti Ishe ane moyo munyoro kwazvo uye ane tsitsi.
- 12 Asi pamberi pezvese, hama dzangu, musapika, kana nedenga, kana nenyika, kana nekumwe kupika kupi; asi hongu yenyu ngaive hongu, uye kwete, kwete; kuti murege kuwira mukutongwa.
- 13 Kune umwe anotambudzika pakati penyu here? Ngaanyengetere. Pane anofara here? Ngaaimbe mapisarema.
- 14 Pane anorwara pakati penyu here? Ngaadane vatariri vekereke; uye ngavanyengetere pamusoro pake, vachimuzodza namafuta muzita raIshe;
- 15 uye munyengetero werutendo uchaponesa anorwara, uye Ishe achamumutsa; zvino kana akaita zvivi, achazvikanganwirwa.
- 16 Reururiranai zvivi, uye nyengetereranai, kuti muporeswe. Munyengetero wakasimba wewakarurama une simba zvikuru.
- 17 Eria wakange ari munhu wemanzwiro akafanana nesu, akanyengetera nemoyo wese kuti kusanaya; ikasanaya panyika makore matatu nemwedzi mitanhatu;
- 18 zvino wakanyengeterazve; denga ndokupa mvura, nyika ikabereka chibereko chayo.
- 19 Hama, kana umwe pakati penyu achitsauka kubva pachokwadi, umwewo akamudzora,
- 20 ngaazive kuti uyo anodzora mutadzi pakutsauka kwenzira yake, achaponesa mweya parufu nekufukidza zvivi zvizhinji.