요한일서 3장 쇼나
- 1 Tarirai kuti rudo rwakadini Baba rwavakatipa, kuti tinzi vana vaMwari. Nekuda kwaizvozvi nyika haitizivi, nokuti haina kumuziva iye.
- 2 Vadikanwi, ikozvino tiri vana vaMwari, uye zvichigere kuratidzwa kuti tichazovei. Asi tinoziva kuti kana achizoratidzwa, tichafanana naye; nokuti tichamuona sezvaakaita.
- 3 Uye umwe neumwe ane tariro iyi maari anozvichenesa, sezvaakachena iye.
- 4 Umwe neumwe anoita chivi anoitawo kusava nemurairo; uye chivi ndiko kusava nemurairo.
- 5 Uye munoziva kuti iye wakaratidzwa kuti abvise zvivi zvedu; uye zvivi hazvimo maari.
- 6 Ani nani anogara maari haatadzi; ani nani anotadza haana kumuona, kana kumuziva.
- 7 Vana vadiki, kusava neanokunyengerai; uyo anoita kururama wakarurama, saiye akarurama;
- 8 uyo anoita chivi anobva kuna dhiabhorosi, nokuti dhiabhorosi anotadza kubva pakutanga. Nechikonzero ichi Mwanakomana waMwari wakaratidzwa kuti aparadze mabasa adhiabhorosi.
- 9 Ani nani wakaberekwa naMwari haaiti chivi, nokuti mbeu yake inogara maari; zvino haagoni kutadza, nokuti wakaberekwa naMwari.
- 10 Mune izvozvi vana vaMwari nevana vadhiabhorosi vanoratidzwa; ani nani asingaiti zvakarurama haabvi kuna Mwari, neasingadi hama yake.
- 11 Nokuti iri ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga, kuti tidanane;
- 12 kwete saKaini wakabva kune wakaipa, ndokuuraya munin'ina wake. Zvino wakamuurayirei? Nokuti mabasa ake akange akaipa, asi emunin'ina wake akange akarurama.
- 13 Musashamisika, hama dzangu, kana nyika ichikuvengai.
- 14 Isu tinoziva kuti takapfuura murufu tikapinda muupenyu, nokuti tinoda hama. Asingadi hama anogara murufu.
- 15 Ani nani anovenga hama yake imhondi; uye munoziva kuti hakutongorina mhondi ine upenyu husingaperi hunogara mairi.
- 16 Neizvi tinoziva rudo rwaMwari, nokuti iye wakatiradzikira pasi upenyu hwake; nesu tinofanira kuradzikira pasi hama upenyu.
- 17 Asi ani nani ane nhumbi dzenyika, uye achiona hama yake ichishaiwa, ndokumupfigira tsitsi dzake, rudo rwaMwari rwunogara sei maari?
- 18 Vana vangu vadiki, ngatirege kuda pashoko kana parurimi, asi pazviito nepachokwadi.
- 19 Uye neizvi tinoziva kuti tiri vechokwadi, uye tichavimbisa moyo yedu pamberi pake.
- 20 Nokuti kana moyo wedu uchitipa mhosva, Mwari mukuru kumoyo wedu, uye anoziva zvinhu zvese.
- 21 Vadikanwi, kana moyo wedu usingatipi mhosva, tine chivimbo pamberi paMwari;
- 22 uye chipi nechipi chatinokumbira, tinogamuchira kubva kwaari, nokuti tinochengeta mirairo yake, uye tinoita zvinhu zvinofadza pamberi pake.
- 23 Uye uyu ndiwo murairo wake, kuti titende kuzita reMwanakomana wake Jesu Kristu, uye tidanane, sezvaakatipa murairo.
- 24 Uye uyo anochengeta mirairo yake anogara maari, naiye maari. Neizviwo tinoziva kuti anogara matiri, kubva paMweya waakatipa.