요한일서 4장 쇼나
- 1 Vadikanwi, musatenda mweya umwe neumwe, asi muidze mweya, kana yakabva kuna Mwari; nokuti vazhinji vaporofita venhema vakabudira munyika.
- 2 Neizvi munoziva Mweya waMwari: Wese mweya unobvuma kuti Jesu Kristu wakauya panyama, unobva muna Mwari.
- 3 Zvino mweya wese usingabvumi kuti Jesu Kristu wakauya panyama, haubvi muna Mwari; uye uyu ndiye wemupikisi waKristu, wamakanzwa kuti anouya, naikozvino watova panyika.
- 4 Imwi munobva muna Mwari, vana vadiki, uye makavakunda; nokuti ari mamuri mukuru kune ari munyika.
- 5 Ivo vanobva munyika; naizvozvo vanotaura zvinobva munyika, uye nyika inovanzwa.
- 6 Isu tinobva muna Mwari; uyo anoziva Mwari, anotinzwa; asingabvi muna Mwari, haatinzwi. Kubva pane izvi tinoziva mweya wechokwadi nemweya wekutsauka.
- 7 Vadikanwi, ngatidanane; nokuti rudo rwunobva muna Mwari, uye umwe neumwe anoda wakaberekwa kubva muna Mwari, uye anoziva Mwari.
- 8 Asingadi, haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo.
- 9 Pane izvi rudo rwaMwari rwakaratidzwa matiri, kuti Mwari wakatuma Mwanakomana wake wakaberekwa umwe wega munyika, kuti tirarame kubudikidza naye.
- 10 Rudo rwuri pachinhu ichi, kwete kuti isu takada Mwari, asi kuti iye wakatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave muripo wekuyananisa maererano nezvivi zvedu.
- 11 Vadikanwi, kana Mwari akatida saizvozvo, nesu tinofanira kudanana.
- 12 Hakuna wakamboona Mwari; kana tichidanana, Mwari anogara matiri, uye rudo rwake rwunoperedzerwa matiri.
- 13 Pane izvi tinoziva kuti tinogara maari, naiye matiri, nokuti wakatipa zvinobva paMweya wake.
- 14 Isuwo takaona uye tinopupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana kuva Muponesi wenyika.
- 15 Ani nani anobvuma kuti Jesu Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari, naiye muna Mwari.
- 16 Nesu takaziva uye takatenda rudo Mwari rwaanarwo kwatiri. Mwari rudo, uye anogara murudo anogara muna Mwari, naMwari maari.
- 17 Pane izvi rudo rwakapedzeredzwa nesu, kuti tive neushingi nezuva rekutonga, nokuti sezvaari iye, nesu takadaro kunyika ino.
- 18 Hakuna kutya murudo, asi rudo rwakaperera rwunodzingira kunze kutya, nokuti kutya kune marwadzo; anotya haana kuperedzerwa parudo.
- 19 Isu tinomuda, nokuti iye wakatanga kutida.
- 20 Kana umwe achitaura kuti: Ndinoda Mwari, asi achivenga hama yake, murevi wenhema; nokuti uyo asingadi hama yake yaakaona, anogona sei kuda Mwari waasina kuona?
- 21 Uye murairo uyu tinawo kubva kwaari, kuti anoda Mwari ngaadewo hama yake.