요한일서 5장 쇼나
- 1 Ani nani anotenda kuti Jesu ndiye Kristu, wakaberekwa kubva kuna Mwari; uye ani nani anoda uyo wakabereka anodawo wakaberekwa kubva kwaari.
- 2 Pane izvi tinoziva kuti tinoda vana vaMwari, kana tichida Mwari, uye tichichengeta mirairo yake.
- 3 Nokuti urwu rudo rwaMwari, kuti tichengete mirairo yake; uye mirairo yake hairemi.
- 4 Nokuti chipi nechipi chakaberekwa kubva kuna Mwari chinokunda nyika; uye uku ndiko kukunda kunokunda nyika, irwo rutendo rwedu.
- 5 Ndiani anokunda nyika, kana asiri iye anotenda kuti Jesu Mwanakomana waMwari?
- 6 Uyu ndiye wakauya nemvura neropa, iye Jesu Kristu; kwete nemvura yega, asi nemvura neropa. Zvino Mweya ndiye anopupura, nokuti Mweya ichokwadi.
- 7 Nokuti kune vatatu vanopupura kudenga, Baba, Shoko, naMweya Mutsvene; uye ava vatatu ndimumwe.
- 8 Uye kune vatatu vanopupura panyika, Mweya, nemvura, neropa, uye ava vatatu vanonova chimwe.
- 9 Kana tichigamuchira uchapupu hwevanhu, uchapupu hwaMwari hwakapfuura kukura; nokuti uhu uchapupu hwaMwari, hwaakapupura pamusoro peMwanakomana wake.
- 10 Uyo anotenda kuMwanakomana waMwari ane uchapupu maari pachake; asingatendi Mwari wakamuita murevi wenhema, nokuti haana kutenda uchapupu Mwari hwaakapupura maererano neMwanakomana wake.
- 11 Uye uhu ndihwo uchapupu, kuti Mwari wakatipa upenyu husingaperi; zvino upenyu uhu huri muMwanakomana wake.
- 12 Uyo ane Mwanakomana ane upenyu; uyo asina Mwanakomana waMwari haana upenyu.
- 13 Zvinhu izvi ndazvinyora kwamuri imwi munotenda kuzita reMwanakomana waMwari, kuti muzive kuti mune upenyu husingaperi, uye kuti mutende kuzita reMwanakomana waMwari.
- 14 Uye uhu ndihwo ushingi hwatinahwo maari, kuti kana tichikumbira chinhu zvinoenderana nekuda kwake, anotinzwa;
- 15 zvino kana tichiziva kuti anotinzwa, zvese zvatinokumbira, tinoziva kuti tine zvichemo zvatakakumbira kwaari.
- 16 Kana umwe achiona hama yake ichitadza chivi chisiri cherufu, achakumbira, uye achamupa upenyu kune vasingatadzi chivi cherufu. Chiripo chivi cherufu; handisi kuti akumbire pamusoro pechichi.
- 17 Kusarurama kwese chivi; uye chivi chiripo chisiri cherufu.
- 18 Tinoziva kuti ani nani wakaberekwa kubva kuna Mwari haatadzi; asi uyo wakaberekwa kubva kuna Mwari anozvichengeta, uye wakaipa haamubati.
- 19 Tinoziva kuti tiri vanobva kuna Mwari, nenyika yese irere muzvakaipa.
- 20 Uye tinoziva kuti Mwanakomana waMwari wakauya, akatipa kunzwisisa kuti tizive iye wechokwadi; nesu tiri mune wechokwadi, muMwanakomana wake Jesu Kristu. Uyu ndiye Mwari wechokwadi, neupenyu husingaperi.
- 21 Vana vadiki, zvichengetedzei pazvifananidzo. Ameni.