요한계시록 16장 쇼나
- 1 Zvino ndakanzwa inzwi guru kubva mutembere richiti kuvatumwa vanomwe: Endai, munodurura ndiro dzehasha dzaMwari panyika.
- 2 Zvino wekutanga wakaenda, akadurura ndiro yake panyika; ndokuuya ronda rakaipa rinorwadza pavanhu vakange vane mucherechedzo wechikara, nevakanamata mufananidzo wacho.
- 3 Zvino mutumwa wechipiri akadurura ndiro yake mugungwa; ndokuva ropa serewakafa; uye mweya mupenyu wega-wega ukafa mugungwa.
- 4 Zvino mutumwa wechitatu akadurura ndiro yake munzizi nemuzvitubu zvemvura; ndokuva ropa.
- 5 Zvino ndakanzwa mutumwa wemvura achiti: Makarurama, Ishe, aripo, newakange aripo, neachazovapo, nokuti makatonga izvi.
- 6 Nokuti vakadurura ropa revatsvene nevaporofita, uye ropa makavapa kuti vanwe; nokuti vakafanira.
- 7 Zvino ndakanzwa umwe kubva muaritari achiti: Hongu, Ishe Mwari Wemasimbaose, kutonga kwenyu ndekwechokwadi uye kwakarurama.
- 8 Zvino mutumwa wechina akadurura ndiro yake pamusoro pezuva; kukapiwa kwariri kupisa vanhu nemoto.
- 9 Vanhu ndokupiswa nekupisa kukuru, ndokunyomba zita raMwari ane simba pamusoro pematambudziko awa, vakasatendeukawo kuti vamupe rukudzo.
- 10 Zvino mutumwa wechishanu wakadurura ndiro yake pamusoro pechigaro cheushe chechikara; ushe hwacho ndokuva rima, ndokutsenga marimi avo nekurwadzwa.
- 11 Zvino vakanyomba Mwari wekudenga nekuda kwemarwadzo avo uye nekuda kwemaronda avo; asi havana kutendeuka pamabasa avo.
- 12 Zvino mutumwa wechitanhatu akadurura ndiro yake pamusoro perwizi rukuru Yufuratesi; mvura yarwo ndokupwa, kuti nzira yemadzimambo anobva kumabvazuva igadzirwe.
- 13 Zvino ndakaona kubva mumuromo wezibukanana, nekubva mumuromo wechikara, nekubva mumuromo wemuporofita wenhema, mweya yetsvina mitatu sematafi;
- 14 nokuti ndiyo mweya yemadhimoni inoita zviratidzo, inobudira pamadzimambo epasi neenyika yese, kuvaunganidzira kuhondo yezuva iro guru raMwari Wemasimbaose.
- 15 Tarira, ndinouya sembavha. Wakaropafadzwa anorinda, nekuchengeta nguvo dzake, kuti arege kufamba akashama, vaone nyadzi dzake.
- 16 Zvino wakavaunganidzira kunzvimbo inonzi nechiHebheru Arimagedhoni.
- 17 Zvino mutumwa wechinomwe akadurura ndiro yake mudenga; kukabuda inzwi guru kubva mutembere yekudenga, kubva pachigaro cheushe, richiti: Zvaitika!
- 18 Zvino kwakava nemanzwi nemitinhiro nemheni, ndokuva nekudengenyeka kwenyika kukuru, kwakadaro kusina kumbovapo kubva pakuvapo kwevanhu panyika, kudengenyeka kwenyika kune simba rakadai, kwakakura zvakadai.
- 19 Zvino guta guru rakava zvikamu zvitatu, maguta emarudzi ndokuwa; Bhabhironi guru ndokurangarirwa pamberi paMwari, kuti aripe mukombe wewaini yekutsamwa kwehasha dzake.
- 20 Zvino chiwi chega-chega chikatiza, nemakomo akasawanikwa.
- 21 Zvino chimvuramabwe chikuru chinorema setarenda* chikawira pamusoro pevanhu kubva kudenga; vanhu vakanyomba Mwari nekuda kwedambudziko rechimvuramambwe, nokuti dambudziko racho raiva guru kwazvo.