요한계시록 20장 쇼나
- 1 Zvino ndakaona mutumwa achiburuka kubva kudenga, ane kiyi yegomba risina chigadziko, neketani huru muruoko rwake.
- 2 Zvino akabata zibukanana, nyoka yakare, ndiye Dhiabhorosi naSatani, akamusunga makore churu,
- 3 ndokumukandira mugomba risina chigadziko, ndokumupfigira, ndokuisa mucherechedzo pamusoro pake kuti arege kuzonyengerazve marudzi, kusvikira makore churu apera; zvino shure kweizvozvo anofanira kusunungurwa chinguva chidiki.
- 4 Zvino ndakaona zvigaro zveushe, uye vakagara pamusoro pazvo, kutonga ndokupiwa kwavari; ndikaona nemweya yevakange vagurwa misoro nekuda kweuchapupu hwaJesu, uye nekuda kweshoko raMwari, nevasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho, kana kugamuchira mucherechedzo pahuma yavo, neparuoko rwavo; zvino vakararama vakabata ushe pamwe naKristu makore churu.
- 5 Asi vakasara vevakafa havana kuraramazve kusvikira makore churu apera. Uku kumuka kwekutanga.
- 6 Wakaropafadzwa uye mutsvene ane mugove pakumuka kwekutanga; pane ava rufu rwechipiri harwuna simba; asi vachava vapristi vaMwari nevaKristu, uye vachabata ushe pamwe naye makore churu.
- 7 Zvino panopera makore churu, Satani achasunungurwa kubva mutirongo rake,
- 8 zvino uchabuda kutsausa marudzi ari kumativi mana enyika, ivo Gogi naMagogi, avaunganidzire hondo; uwandu hwavo hwakaita sejecha regungwa.
- 9 Vakakwira pakufara kwenyika, vakakomba musasa wevatsvene neguta rinodikanwa; moto ndokuburuka kubva kuna Mwari uchibva kudenga ndokuvamedza.
- 10 Zvino dhiabhorosi wakavatsausa akakandwa mudziva remoto nesarufa, pane chikara nemuporofita wenhema, uye vacharwadziwa masikati neusiku kusvikira rinhi narinhi.
- 11 Zvino ndakaona chigaro cheushe chikuru chichena, newakange agere pamusoro pacho, iye nyika nedenga zvakatiza pachiso chake, zvikasawanirwa nzvimbo.
- 12 Uye ndakaona vakafa, vadiki nevakuru, vamire pamberi paMwari, mabhuku ndokuzarurwa, nerimwe bhuku rikazarurwa, rinova reupenyu; vakafa vakatongwa kubva pane zvakange zvakanyorwa mumabhuku, zvichienderana nemabasa avo.
- 13 Zvino gungwa rakapa vakafa vakange vari mariri; nerufu negehena zvikapa vakafa vakange vari mazviri; umwe neumwe akatongwa zvichienderana nemabasa avo.
- 14 Zvino rufu negehena zvakakandirwa mudziva remoto; urwu rufu rwechipiri.
- 15 Zvino kana aripo asina kuwanikwa akanyorwa mubhuku reupenyu, wakakandirwa mudziva remoto.