요한계시록 3장 쇼나
- 1 Uye kumutumwa wekereke iri muSadhisi nyora uti: Zvinhu izvi anoreva iye ane Mweya minomwe yaMwari nenyeredzi nomwe: Ndinoziva mabasa ako, kuti une zita rekuti unorarama, asi wakafa.
- 2 Iva wakarinda, uye simbisa zvinhu zvakasara zvoda kufa; nokuti handina kuwana mabasa ako akaperedzerwa pamberi paMwari.
- 3 Naizvozvo rangarira kuti wakagamuchira nekunzwa sei; uye chengeta, uye tendeuka. Naizvozvo kana usingarindi, ndichauya kwauri sembavha, uye haungatongozivi kuti iawa ripi randichauya naro pamusoro pako.
- 4 Une mazita mashoma kunyange paSadhisi asina kusvibiswa nguvo dzawo; uye vachafamba neni munguvo chena, nokuti vakafanira.
- 5 Uyo anokunda, ndiye achapfekedzwa nguvo chena; uye handichatongodzimi zita rake pabhuku reupenyu, uye ndichareurura zita rake pamberi paBaba vangu, nepamberi pevatumwa vake.
- 6 Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke.
- 7 Nekumutumwa wekereke iri muFiradhefia nyora uti: Zvinhu izvi anoreva Mutsvene, Wechokwadi, iye ane kiyi yaDhavhidhi, iye anozarura pasinawo anopfiga, nekupfiga pasinawo anozarura:
- 8 Ndinoziva mabasa ako; tarira, ndakaisa pamberi pako mukova wakazarurwa, uye hakuna angagona kuupfiga, nokuti une simba shoma, uye wakachengeta shoko rangu, nekusaramba zita rangu.
- 9 Tarira, ndichakupa vanobva kusinagoge raSatani, vanozviti VaJudha, vasiri ivo, asi vanoreva nhema; tarira, ndichavaita kuti vauye vagonamata pamberi petsoka dzako, uye vazive kuti ini ndakakuda.
- 10 Nokuti wakachengeta shoko rekutsungirira kwangu, neni ndichakuchengeta panguva yekuedzwa ichauya pamusoro penyika yese, kuedza vanogara panyika.
- 11 Tarira, ndinouya nekukurumidza; batisisa chaunacho, kuti kusava neanotora korona yako.
- 12 Uyo anokunda, ndichamuita mbiru mutembere yaMwari wangu, uye haachatongobudizve; uye ndichanyora pamusoro pake zita raMwari wangu, nezita reguta raMwari wangu, reJerusarema idzva, rinoburuka richibva kudenga kuna Mwari wangu, nezita rangu idzva.
- 13 Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke.
- 14 Nekumutumwa wekereke yeVaRaodhikia nyora uti: Zvinhu izvi anoreva Ameni, chapupu chakatendeka uye chechokwadi, kutanga kwezvisikwa zvaMwari:
- 15 Ndinoziva mabasa ako, kuti hautonhori uye haupisi. Ndaida kuti dai uchitonhora kana uchipisa.
- 16 Zvino zvaunodziya, uye hautonhori uye haupisi, ndichakusvisvina mumuromo mangu.
- 17 Nokuti unoti: Ndiri mufumi, uye ndakafuma, uye handishaiwi chinhu, asi hauzivi kuti ndiwe unotambura, neune nhamo, nemurombo, nebofu, newakashama;
- 18 ndinokupa zano kuti utenge kwandiri goridhe rakaidzwa mumoto, kuti ufume; nenguvo chena, kuti upfeke, uye nyadzi dzekushama kwako dzirege kuratidzika; uye uzore meso ako nechizoro chameso, kuti uone.
- 19 Vese vandinoda ini, ndinotsiura nekuranga. Naizvozvo shingaira utendeuke.
- 20 Tarira, ndimire pamukova ndichigogodza; kana umwe achinzwa inzwi rangu, akazarura mukova, ndichapinda kwaari, uye ndicharaira naye, naiye neni.
- 21 Anokunda, ndichamupa kugara neni pachigaro changu cheushe, sezvo neni ndakakunda ndikagara pamwe naBaba vangu pachigaro chavo cheushe.
- 22 Ane nzeve ngaanzwe zinoreva Mweya kumakereke.