요한계시록 4장 쇼나
- 1 Shure kweizvi ndakaona, zvino tarira, mukova wakazaruka kudenga, nenzwi rekutanga randakanzwa rakaita serehwamanda richitaura neni, richiti: Kwira pano, ndigokuratidza zvinhu zvinofanira kuitika shure kweizvi.
- 2 Zvino pakarepo ndakava muMweya; zvino tarira, chigaro cheushe chakagadzwa kudenga, nepamusoro pechigaro cheushe umwe agere.
- 3 Iye wakange agere pakuonekwa wakange akafanana nebwe rejasipisi* nesadhio*; nemurarabungu wakakomberedza chigaro cheushe waitaridzika sebwe reemaradhi*.
- 4 Zvino zvigaro zveushe makumi maviri nezvina zvakange zvakakomberedza chigaro cheushe; nepazvigaro zveushe ndakaona vakuru makumi maviri nevana vagere, vakapfeka nguvo chena, uye vakange vane korona dzegoridhe pamisoro yavo.
- 5 Nepachigaro cheushe pakabuda mheni nekutinhira nemanzwi; nemwenje minomwe yemoto ichipfuta pamberi pechigaro cheushe, iri Mweya minomwe yaMwari.
- 6 Zvino pamberi pechigaro cheushe pakange pane gungwa regirazi, rakafanana nekrisitaro*. Nepakati pechigaro cheushe nepakapoteredza chigaro cheushe pane zvisikwa zvina zvipenyu zvizere nemeso mberi neshure.
- 7 Zvino chisikwa chipenyu chekutanga chakange chakafanana neshumba, uye chisikwa chipenyu chechipiri chakafanana nemhuru, nechisikwa chipenyu chechitatu chakange chine chiso semunhu, nechisikwa chipenyu chechina chakange chakafanana negondo rinobhururuka.
- 8 Nezvisikwa zvipenyu izvi chimwe nechimwe chakange chine mapapiro matanhatu mativi ese, nemukati zvakange zvizere nemeso; uye hazvizorori masikati neusiku, zvichiti: Mutsvene, mutsvene, mutsvene, Ishe Mwari, Wemasimbaose, wakange aripo, uye aripo, neachazouya.
- 9 Zvino apo zvisikwa zvipenyu izvi pazvaimupa kubwinya nerukudzo nekuvongwa iye anogara pachigaro cheushe, iye anorarama kusvikira rinhi narinhi,
- 10 vakuru makumi maviri nevana vakazviwisira pasi pamberi peagere pachigaro cheushe ndokumunamata iye anorarama kusvikira rinhi narinhi, uye vachikandira korona dzavo pamberi pechigaro cheushe, vachiti:
- 11 Makafanira, Ishe, kugamuchira kubwinya, nerukudzo, nesimba; nokuti ndimwi makasika zvinhu zvese, uye nekuda kwechido chenyu zviripo uye zvakasikwa.